Maka vaisa muhapwa dzenyu
Muka vanyepera kuti
Havana vamwe vabatsiri
Kunze kwenyu ne mapenzi.
Iko zvino vaputirwa
Muhapwa dzenyu;
Vovenga vasina kuvatadzira,
Vama katadzira imi.
Ndiko kubata kwe ruoko rwenyu
Kutsvaka ruvengo pasina
Kufananidza zvaka siyana
Ne kusiyanisa zvaka fanana.
Sunungurai vana ava
Vaone Chiedza!
Categories:
kunze, anger, hate,
Form: Ballad